Job 15

Erifazi

1Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati:

2“Ko, munhu akachenjera angapindura zvisina njere here,
kana kuzadza dumbu rake nemhepo inopisa yokumabvazuva?
3Ko, angakakavara namashoko asina maturo,
kana namashoko asina basa here?
4Asi unotorwisa umwari
uye unodzivisa kunamata Mwari.
5Chivi chako chinorunzira muromo wako;
uye unotevera rurimi rwavanyengeri.
6Muromo wako pachako ndiwo unokupa mhosva, kwete wangu,
miromo yako pachako inokupupurira zvakaipa.

7“Ko, ndiwe munhu wakatanga kuzvarwa here?
Ko, iwe wakazvarwa makomo asati avapo here?
8Unoteererawo here panokurukurwa mazano aMwari?
Unoti uchenjeri ndohwako woga kanhi?
9Chiiko chaunoziva chatisingazivi isu?
Kunzwisisa kwaunako ndokweiko kwatisinawo isu?
10Vane bvudzi rakachena navatana vakwegura vari kudivi redu,
varume vatochembera kupinda baba vako.
11Ko, kunyaradza kwaMwari hakuna kukukwanira here,
iro shoko rakataurwa kwauri zvine unyoro?
12Ko, mwoyo wako wakurasireiko,
uye meso ako anobwairireiko,
13zvokuti unoitira Mwari hasha
ugobudisa mashoko akadai kubva mumuromo mako?

14“Munhu chiiko, zvokuti angava akanaka,
kana munhu akazvarwa nomukadzi, kuti angava akarurama?
15Kana Mwari akasavimba navatsvene vake,
kunyange dai matenga akasava akachena pamberi pake,
16ko, kuzoti munhu, ane uori
uye akaora, anonwa zvakaipa semvura!

17“Nditeerere ndigokutsanangurira;
rega ndikuudze zvandakaona,
18zvakataurwa navanhu vakachenjera,
vasingavanzi chinhu chavakagamuchira kubva kumadzibaba avo,
19ivo voga vakapiwa nyika
pasina mutorwa akapfuura napakati pavo:
20Murume akaipa anotambudzika nokurwadziwa pamazuva ake ose,
makore ose outsinye akachengeterwa iye.
21Maungira anotyisa anozadza nzeve dzake;
pazvinenge zvaita sezvakanaka, vapambi vanomurwisa.
22Anorasikirwa netariro yokupunyuka parima;
munondo ndiwo waakatarirwa.
23Anofamba-famba achiita sechokudya zvamagora;
anoziva kuti zuva rerima raswedera.
24Kutambudzika nokurwadziwa zvinomuzadza nokutya;
zvinomukunda, samambo agadzirira kurwisa,
25nokuti anokungira Mwari chibhakera chake
uye anozvikudza pamusoro paWamasimba Ose,
26achimhanyira kwaari asingatyi
ane nhoo hobvu, yakasimba.

27“Kunyange chiso chake chakafukidzwa namafuta
uye chiuno chake chakafuta nenyama,
28iye achagara mumaguta akaparadzwa
nomudzimba dzisingagarwi nomunhu,
dzimba dzokoromoka kuva marara.
29Haachazovazve mupfumi uye pfuma yake haingagari,
kana nepfuma yake haingazadzi nyika.
30Haangapunyuki rima;
murazvo uchasvavisa mabukira ake,
uye kufema kwomuromo waMwari kuchamurasira kure.
31Ngaarege kuzvinyengera nokuvimba nezvisina maturo,
nokuti haana chaachawana pazviri.
32Acharipirwa zvakazara nguva yake isati yasvika,
uye matavi ake haangawandi.
33Achafanana nomuzambiringa wabvisirwa mazambiringa asati aibva,
kufanana nomuti womuorivhi wodonhedza maruva awo.
34Nokuti ungano yavasingadi Mwari ichashaya zvibereko,
uye moto uchaparadza matende avaya vanofarira fufuro.
35Vanobata mimba yokutambudzika vagozvara zvakaipa;
dumbu ravo rinogadzira kunyengera.”
Copyright information for SnaBDSC